Munhurume
Mataridziko
(runangakatsva kubva kuVanhurume)
Munhurume, murume, mwamuna kana mamuna (man; male person) zvinoreva mukono wemunhu akura; kana ari mudiki anonzi mukomana. Asi shoko rokuti murume rinoshandiswazve kutaura chero mukono wemunhu zvisinei kuti ane makore mangani ekuzvarwa.
- Vamuna (men, husbands).
Mamwe Mazwi
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Gokonya (tall old man) zvichireva harahwa yakareba.
- Hombarume kana chikombarume (a strong man).
- Izwi rokuti lumetate (grown man) rinotaurwa kuKalanga kureva murume mukuru.
Kurerutsa Mutauro
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Murume waRudo anopfeka nguwani yedengezeze: a hat with a very broad brim.
- Joshua Nkomo akazivikanwa mudengezeze renyika: he was known all over the country.
Tsumo
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Chirume kufumira pachimwel kumuromo chakatakura. A man visiting another early in the morning must be (eager) to talk.
- Kuzvara hakuna hombarume. To bear children needs no expert.
- Murume akanaka.asiri wako. A man is attractive when he is not your husband.
- Chirume igumbu chinoparukira kamwe. A man is like a sack, he bursts once (and for good).
- Rume rimwe harikombi churu. (One person cannot do all things alone).
Mitauro yeBantu
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- VaZigula vanoti chirume (n. male) kureva chirume. VaRwanda vanoti umugabo (husband) vachireva murume wemunhu. MaFwe vanoti obulume (n. manliness).
- VaLenje vanoti mwanalume (n. man, a male person, a husband) kureva munhurume kana murume wemunhu. VaGikuyu vanoti murume (man) vachireva murume.
- VaNyungwe vanoti mwamuna kana amuna kureva murume. VaWabo vanoti mulobwana kureva murume. Kinande vanoti omulume kureva murume.
- VaSwahili vanoti ume (1. male, 2. fig. virile, courageous, strong, 3. of things. big, strong, firm, solid). VaGikuyu vanoti Mundu murume (male person) vachireva munhurume.
- MaFwe vanoti mukwame (n. man) vachireva murume. VaYao vanoti mtonga (an eunuch). MaZulu vanoti umlisa (male person, male, able man).