Rheshiyo
Mataridziko
(runangakatsva kubva kuGovano)
Muzvidzidzo zvinotevera: masvomhu, fundoyetsimba, rheshiyo (ratio) izwi rinoreva hukama huripo pakati penhamba mbiri dzine utandu (dimensions) dzakafanana. Rheshiyo inonyorwa seizvi (a:b), izvi zvichitiudza kuti nhamba yechipiri inopinda kangani mune yokutanga.
Muenzaniso ungapiwa ingati:
- Zvikwata zviviri zvenhabvu Guruve United neMhangura United zvanga zviine zvibodzwa 3:2 papera mutambo; apa rheshiyo yacho inenge iri 1.5.
- Mumwe muenzaniso: pavakapedza kudiridza Sarudzai naChipo vakanga vane 30:15 migomo yemvura yavakatakura - apa rheshiyo yacho inenge iri 2. Tinoona kuti pamienzaniso yapiwa zvinhu zviri kufananidzwa zvine nzenda kana chiyero chakafanana.