Huchi
Mataridziko
Huchi (honey) chikafu chinokohwewa kubva pamukoko wenyuchi. Huchi hunogadzirwa nenyuchi dzichisveta muto kubva pamaruva.
Ndamo (beeswax) ndiyo inovakiswa chizinga chinozoiswa huchi nenyuchi.
- Huchi hunoyerera (liquid) hunonzi mudo kana musi.
- Dendende kana matendende (1. small ground bee, 2. honey of this bee).
- Izwi rokuti tota (mend or seal a hole using some beeswax) rinotaurwa kuKalanga richireva kunama nendamo yenyuchi. Mutota izita raShe ainzi Nyatsimba Mutota.
- Izwi rokuti thonongola (honey made by another type of small bees which is usually found in trees hollows high on the tree) rinotaurwa kuKalanga richireva huchi hunogadzirwa nenyuchi dzisingarume dzinogara mumuti. KuShona nyuchi idxi dzinonzi nhonongora.
Kurerutsa Mutauro
- Mhoozira (mark left after a liquid has dribbled over a surface).
- Musvisvi wakaita mhoozira dzokuerera pasi: the honey left streaks where it flowed down.
Mazwi eBantu
- Mururimi rweZigula vanoti uchi (honey) kureva huchi.
- VaKizigua vanoti kulunda (to harvest honey) kureva kumora huchi.
- Mururimi rweLuwanga vanoti obushi (Honey).
- VaChewa vanoti masa a njuchi (1. bee bread - pollen stored buried in a honeycomb; 2. honeycomb).
- VaGanda vanoti kizinga (honeycomb) vachireva chizinga chehuchi.